Kutanda botso kunotaurwa kana munhu oshungurudzwa nemweya yengozi inouya mushure mekurova, kutuka, kurova kana kuuraya amai vakakubereka.Kutanda botso muripo Waunobhadhara kuti udzinge ngozi iyi.Ngozi yebotso haingo konzerwe nekurova amai vekubereka chete asi zvinosanganisa chero angave ani zvake akazvarwa mudzinza raAmai,zvichireva Amainini munin'ina waMai kana mwana WaSekuru hanzvadzi yaMai.Kutanda botso mukumbira tsitsi kubva muNgozi iyi.Ngozi yebotso hairwadzi chete kune uyo aipara.Inogona kubata neVazukuru muchiri. Nyakupara mhaka dzimwe nguva anosvika pakufa achisiira jambwa kuvana neVazukuru vaakabereka.Kana vana veMunin'ina kana mukoma wake,kana ani zvake weDzinza.Kutanda botso kunoitwa pamberi peuzhinji wevanhu .Panofanirwa kunge pane hama yeRopa yaMai vakatadzirwa anozova ndiye anoteketera kuHama yake (nyakutadzirwa) kuti aregerere nekunzwira tsitsi mwana akatadza.Kutanda botso kurinyore kana kuti kwakati rerukei kana nyakutadzirwa achiri mupenyu.

Nyakutanda botso anogona kufamba dunhu rese achishambadza kuti akatuka Amai,vanhu vachiita madiro naye kumushungurudza.Vamwe vanomutuka,kumuzodza tsvina,kumusvipira,nezvimwe zvingaitwe kushungurudza munhu.

AMAI HAISI HAMA YAKO Tsika iyi inotidzidzisa kuti Amai havatambwe navo,vangave Amai vanemaiitiro anoshoreka dzakadii Amai ndi Amai.

Mitauro yeAfrika chinjirudza