Kutandara (v. to visit; spend time in social conversation) zvinoreva kunge vanhu vari vese vachikurukura nyaya dzinovaraidza pasina gakava. Vanhu vanonyanya kutandara nguva dzamanheru, vapedza mabasa uye vapedza kudya chirariro. Vanhu vanokwanisawo kutandara vachiita mabasa madiki asingaremi sokuti: kutokonora nzungu kana chibage, kusona, nezvimwewo zvidiki. Vamwe ndivo vanotandara vari panguva yekudya.

Mitauro yeBantu chinjirudza