Kutema (v. cut down, fell, chop) zvinoreva kucheka chiro kuchishandiswa demo, mbezo kana badza. Apa pashandiswa simba rokukanda chacho chiri kushandiswa kutema nokuzamurira pachinhu chiri kutemwa.

Muhupe (Disturbance in air due to an object passing through it). Akatonzwa muhupe wedemo chete: he heard only the whizzing of the axe as it passed him.

ZvirevoEdit

  • Chinokanganwa idemo asi muti watemwa haukanganwi.

Mazwi eBantuEdit

  • Mururimi rweLuwanga vanoti okhurema v.tr. cut down; fell; chop) zvichireva kutema.
  • Mururimi rweYao vanoti kutema (to cut) kureva kutema.
  • Mururimi rweYao vanoti kutemanya (to break) kureva kutema.