Kudonha (to fall from height) apa zvichireva kuwa kurva pakakwirira. Hanzi zhanje ndiro rinonzi radonha, munhu anonzi apunzika. Asi kana munhu apfodzoka kubva paakakwira zvoreva kuti munhu anodonhawo mumuti.
Kuriga (to fell - as in felling a tree or a bull). Karigamombe izita remunhu.
VaLenje vanoti wa (n. fall, drop, let fall) vachireva kuwa. Mamwe Mazwi: wisha (n. fall, drop, let fall) vachireva kuwisa.
VaNyoro vanoti okugwa kana -gwire (to fall). Mamwe Mazwi: -gwisa (to let fall). Taabwa vanoti kuwa (v. fall; lie down).
VaKongo vanoti bwila (to fall upon, seize upon, pounce) vachireva kuwira. Mamwe Mazwi: bwisa (cause to fall or let fall, to throw down) vachireva kuwisa.