Kuyera nyoka negavi iyo iripo zvinoreva kutaura kana kuita chinhu uchinyenyeredza usingati nanga-nanga naicho chiripo chaunoda kutaura nezvacho.

Ko sei kuyera nyoka negavi chinjirudza

Kazhinji maitiro aya anoitwa nokuti: mutauri ari kutya munhu waari kureva; mutauri haana umbowo hwakakwana hwezvari kutaura; mutauri ane shanje; mutauri haasi kuda kubuda pachena nedivi raakarerekera.