Izwi rokuti mambara kana mbara rinoshandiswa muhushangazhi hwekuchera migodhi. KuEnglish mambara anopiwa zita rokuti waste rock.

Panocherwa mugodhi panobudawo mamwe matombo asina simbi yakakosha; nguva zhinji matombo aya anoburitswa kuti nzira dzinosvika kune dombo rine mari dzitambanuke. Matombo asina mari anodanwa kunzi mambara. Vavariro yevanochera mugodhi ndeyekuti: dombo risina mari rive ndiro shoma; dombo risina mari ritsaurwe kubva pane rine mari; dombo rine mari rikororwe (extraction) napose panogonekwa nenzira dzisina njodzi kuvanhu, mugodhi kana michina.

  • Ko tikati chitayo tichiturikira waste. Vamwe vangati muchinyiwa?