Pamaitiro Kubika kweZimbabwe (Zimbabwean Cuisine), mangayi (boiled dry maize or corn) zvinoreva chibage chakaoma chinofashaidzwa kusvika chaibva. Mangayi anobikwa nechibage chakasvika chikukutu. Panoibva mangayi, rukanda rwekunze rwechibage runotanga kutsemukira; urwu rukanda runofururwa kana pasvika pakudya.

Manhuchu anosiyana nemangayi pakuti manhuchu chibage chinotanga chadzvurwa kubisa rukanda rwokunze. Vamwe vanoti vasati vabika mangayi vanoaradza ari mumvura kuti apfave arege kuzotora moto wakawanda kana kuti nguva yakareba kubika.

Rimwe zita remangayi anonzi mashakada.

Mitauro yeBantu chinjirudza