VaMusa I (12801337), kana VaMansa Musa, vaive Mansa wechipfumbamwe we Ubwami hwe Maari, ubwami waive nemateritori mazhinji mumaoko mavo uye waive mumwe muvuso weYisalamu weku Madokero eAfurika wainge wakasimba.

Mansa Musa

Munguva ye asesheni ya VaMusa padendemaro, Maari pakukura kwayo yaisanganisa teritori yaive chikamu che Ubwami hwe Ghana, yakakundwa neMaari. Ubwami hwe Maari waisanganisa chikamu cheGhini, Senegaru, Moriteniya, Gambiya uye muvuso weMaari yanhasi.

VaMusa vakaenda kuHadji (hajj) kuMekha muna 1324, uye vakafamba ne entourage huru ne ndarama zhinji. Panzira yavo, vakagara muKairo, ndiko kwavakapa zvipo zvakanakakwazvo zvika afekta vukoshe hwe ndarama muIjipita uye zvakaunza attention kubva kunyika dze Vasalama.

Zita chinjirudza

Zita ra VaMansa Musa raive Musa (Chiarabhu: موسى‎, chiroma: Mūsā), zita ravo imhando imwe yezita rekuti Mhoze muChiarabhu. Mansa, zvinoreva kuti 'mutongi' kana 'mambo' mu Chimande, raive dumidzo revatongi we Uhwami hwe Maari. Rakambopindurwa richinzi "mukundi" uye "mambo-mfundisi". Munhoroondo yekureketwa uye muViringira reTimbuktu (kana Makeronika eTimbuktu), VaMusa vaizivikwa vachinzi Kanku Musa. Muchinyakare cheVamande, zita ramai raiiswa sechivakashure pazita ravo, saka zita rekuti Kanku Musa rinoreva kuti "Musa, mukororo waKanku", asi hazvizivikwi kuti jiniyoroji iyi yaive chaiyo here. Vakambonzi wo VaHidji Mansa Musa muchinyakare chekuhwereketwa mumareferenzi ekuhadji yake. Semumwe weUshe hwe Keita, anombo danwa achinzi Musa Keita.

Mumutauro we Chisonghai, mutongi we Maari senge VaMusa vaizivikwa sa Mali-koi, koi zvichireva dumidzo rekuratidza mukondo pamusoro pe nzvimbo: mumamwe mazwi, "mutongi we Maari".

MuChishona zita rekuti Mansa Musa rinenge richinzi Mambo Mhoze kana Mutongi Mhoze.

Mamwe mapeji ekutarisa chinjirudza