Template:Use mdy dates Template:Infobox person

Julius Masimba Musodza (akabarwa 29 March 1976) munyori wemitambo nengano anobva kuZimbabwe.

Nhoroondo yeupenyu hwake chinjirudza

Musodza akabarwa apo Zimbabwe yakange yakatarisana nekuwana kuzvitonga kuzere, ari dangwe raSamuel naCatherine Musodza. Akafunda paAvondale Primary School, kuHarare nepa St Mary Magdalene's High School, Nyanga. Apedza chikoro, akaita kosi yezvekunyorwa kwemitambo yemafirimu nezvirongwa zvepadzangaradzimu. Muna2002, akaenda kuUnited Kingdom, kunova ndiko kwaanogara nhasi uno, kuguta reMiddlesbrough, riri nechekumusoro kwakarekera kumabvazuva.[1]

Zvinyorwa chinjirudza

Semunhu akakura achiverenga mabhuku akasiyana, Musodza akava neshungu yekuva munyori kubvira apo akaziva kuti iyi yaive nzira yekuwana kurarama panyika.[2] Musodza ane nganopfupi dziripawebhusaiti inonzi StoryTime e-zine, iyo yakavambwa nemumwe munyori wekuZimbabwe anogara kuSasafurika, Ivor Hartmann.[3] Musodza ndiye zvakare munyori wenganonyorwa yekutanga yerudzi rwescience-fiction mururimi rweChiShona, MunaHacha Maive Nei?[4][5]

Nganonyorwa chinjirudza

  • Aquilina (kana kuti, Reuriro yaHatifari Maforimbo), 2020, Belontos Books, ISBN 978-1-9997077-4-3
  • Shavi Rechikadzi, 2015, Belontos Books, ISBN 978-1-908690-24-1
  • MunaHacha Maive Nei? (2nd edition), 2016, Belontos Books, ISBN 978-1-908690-24-1

References chinjirudza

External links chinjirudza


Template:Persondata