Masvingo eZimbabwe

Masvingo eZimbabwe idongo reguta guru repasichigare renyika yeZimbabwe iro raigara vanhu kubva mugore ra 1100 kusvika mugore ra 1450 kubva kuzvagwa kwaJesu Kirisitu awo aive mazuva ekupedzisira kwenguva yokutanga kwekushandiswa kwesimbi muZimbabwe (late Iron Age).

Zimbabwe wall.jpg

Dzimba dzemabwe kana kuti masvingo ndipo panobva zita renyika yeZimbabwe. Mazimbabwe ayo akavakwa nevaShona anowanikwa kuMasvingo, asiwo nyangwe mune dzimwe nzvimbo dzakaita seMutoko. Asi masvingo ari kuMasvingo ndiwo makuru pane ese anowanikwa mune dzimwe nzvimbo.

Mukati neMasvingo aya mune mabwe akadurukidzana kuita rushongwe rusinha charwakatsigira.

Mitauro yeBantuChinjirudza

  • Lenje inoti shinko (stopper, bung, barrier).
  • Kikuyu inoti rothingo rua nyumba (n. wall of a house) kureva rusvongo rwemba.