Mbombedza (subsidy) zvinoreva chikamu chemutengo wenhumbi chinobhadharwa nehurumende ichibhadhara kambani dziri kutengesa nhumbi idzo. Mbombedza inoripwa kuzadzisa zvinangwa zviviri zvinoti: kuderedza mutengo wenhumbi kusvika pokuti vatengi vanokwanisa kutenga nyore; uye kuti kambani dzikwanise kuramba dzichigadzira nhumbi dzisingarasikirwe nemari. Saka Mbombedza inoderedza mutengo kuvatengi asi risingaderedze mari inogamuchirwa nemwene wekambani.

Izwi rokuti subsidy rinobva pakuti sitting behind apa kureva kuti subsidy muripo wakaitwa kare ugere seri kwemutengo unobhadharwa nevatengi. Asi ChiShona yashandisa mbombedza izvi chichireva icho chinodzeredzesa mutengo. Kumbombedza zvichitaura kuseredza.

Kurerutsa Mutauro chinjirudza

  • Hurumende iri kuripa mbombedza inokwana $0.25 parita repeturu. Apa kureva – the Government is subsiding petrol at $0.25 per litre.