Shoko rokuti mhiriko (supplement in English) rinoreva chinhu chinowedzerwa kuti pave nokuzara kwezvinhu. Sokuti kana kapu yakasvika pahafu nemukaka, mhiriko yacho inodikanwa kuti kapu izare inenge iri imwe hafu.

Shoko rokuti mhiriko richange rakakosha pakutaura anonzi supplementary angles kana kuti makonyo mhirikano kuchidzidzo chepimanyika.

Kuirika, kuirikidza kuvirikidza kana kuvirika zvinoreva kuwedzera pane zvisina kukwana kuti zvikwane zviri kudiwa - to add, to give over and above, to heap, to accumulate.

Kurerutsa Mutauro chinjirudza

  • Mari yawandipa kutenga nyama ishoma, irikidza - add more.
  • Kana iri mari yakasara kuripwa pakuroora inonzi jeredzwa

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • VaKongo vanoti yikila (to add to).
  • Kikongo inoti yikwa (to be added).
  • Yoruba inoti biri (entirely, completely).