Mhororodzi (water stain) zvinoreva mavara anosarira payererwa nemvura kana kuti pajira ranga riri nyoro. Mhororodzi inobuda zvikurusei kana mvura yayerera iyi isina kuchena kana kuti yasiya chimwe chawomerera change chakanyungudika mairi. Vamwe vatauri vanoti dororodzi.