Mhute chiitiko chinoonekwa kana tumadonhwe twemvura tuchiyangarara mumhepo. Mhute inoitika ichikonzerwa nemamirio ekunze kana kuti pakutubuka kwechikwatamabwe. Inonyanaya kuonekwa apo pane mhepo inotonhora iri pamusoro pemvura inodziya. Kumwe kuitika kwemhute kunoonekwa pakufema pamusi wekuti kunze kune chando. Kupfungaira kunoonekwa kuchibuda pamuromo nemhuno inotova mhute.

MuZimbabwe mhute inoonekwa pedyo nemadhamu munguva yechando; chiitiko ichi chinoonekwa rungwanani padhamu reMazowe. Mhute inokonzera kuti zviri kure zvisanatse kuonekwa, zvokuti vatyairi vemuchovha vanonetseka kuona kwavari kuenda.

Mhute kana yakanyanya imwe nguva zviri panhambwe inokwana 200m hazvioneke; mhute ichinge yawanda zvokuti zviri panhambwe iyi hazvichaonekwa inonzi bvungapfunga - kuEnglish yonzi fog. Musiyano uripo pakati pemhute nebvungapfunga kuwanda kudzivira kuwona kunenge kuripo kuburikidza nokukora kwacho kana kuti huduma hwemhute yacho.

Mamwe mazwi chinjirudza

  • ... asi mhute yakapwititika kubva panyika, ikanyakatisa padera pemavhu eshe: but a mist went up from the earth and watered the whole face of the ground (Genesis 2:6 Bhaibheri reChiNdau).

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • VaNyoro vanoti runombe (atmospheric haze present in the hot season).
  • VaNande vanoti ekilú̧mbi kana omulumbi (n. fog) kureva mhute.