Mhanzi (ku Chingezi: Music) kana mimhanzi uye mumhanzi imhando ye useza inoshandisa ruzha runorongwa munguva. Mhanzo imhano yevaraidzo futi inosanganisa ruzha rwuno farirwa nevanhu kutereera kana kuteerera vachidzana. Mhanzi dzakawanda dzinowanzo sanganisa vanhu vanoyimba nemazwi avo kana vanoridza zviridzwa, senge mbira, marimba, piyano, gitare, ngoma, vhayorini, kibhodhi, uye ngoma dzechirungu. Munhu anosika mhanzi anonzi mumhanzi; musezi wemhanzi (music artist).

Mufananidzo we mhanzi ye Afurika

Mhanzi inodarika kuridza zviridzwa nekuyimba inosanganisa wo, kunyora nziyo (rwiyo paumwechete). Nziyo ndiro shoko rinoshandiswa kureva mhando yezvizvarwa zvinobuditswa pakusikwa kwemhanzi uye ndiyo nzira yemhanzi inofarirwa zvikuru nevanhu. Munhu anonyora mhanzi unotsi munyori wenziyo uye, zvinyorwa zvake zvinonzi rutsaranziyo (lyrics) paruzhinji, asi rutsararwiyo (pamwe).

ZitaChinjirudza

Shoko reChingezi rekuti 'music' rakabva ku shoko re Chigiriki (mousike), rinoreva kuti "(useza) we maMiyuzi" ("(art) of the muses"). Mu Girisi yeKare, maMiyuzi aisanganisa vamwarikadzi we mhanzi, nhetembo, useza uye kudzana.

Mhanzi muAfurikaChinjirudza

Tarisai futi peji re Mhazi muAfurika

MisamboChinjirudza

Kune misambo yemimhanzi yakasiyana siyana; muZimbabwe musambo ine mukurumbira inosanganisira: museve, mbira, chimurenga, reggae, nemimwewo misambo.

Vayimbi vakuru muZimbabwe vanosanganisira: Oliver Mtukudzi, Thomas Mapfumo, Stella Chiweshe nevamwewo.

Zvikamu zve mhanziChinjirudza

Mhando ye ZviridzwaChinjirudza

Tarisai peji re: Zviridzwa zvemhanzi

Zvinhu zve mhanziChinjirudza

Zvimwe zvinyorwa zve mhanziChinjirudza

Mamwe mashoko ekuzivaChinjirudza

Mazwi eBantuChinjirudza

  • Vatauri veUmbundu vanoti sika (play on musical instrument).
  • Vatauri veUmbundu vanoti usika (player of musical instrument).
  • MaZulu vanoti umpambano (discord) vachireva rupambano?

Tarisai futi:Chinjirudza