Muhacha, muchakata, mubuni kana muisha (mobola plum, hissing tree. ) muti unowanikwa muZimbabwe unobereka vana vakada kuenzana nemazhanje. Muchero wacho unonzi hacha, chakata kana mbura.

  • Kunonzi madhongi anodya hacha.
  • Dzimwe nguva panzvimbo pane muti wemuhacha panonhuwa kunge paitirwa tsvina.
  • Muchero uyu unobatsira zvikuru kupa chikafu kuvanhu nemhuka kunyanya mumwaka dzekunge zvirimwa zvashaiwa mvura.
  • Munzvimbo dzakawanda dze Zimbabwe vanhu vanodzvura hacha vogadzira kudya kunodakadza kunonzi manyeu
Hacha dzakaibva
Hacha Yakarumwa

Mitauro yeAfrika chinjirudza

  • Venda vanoti mbula kureva hacha. Subiya vanoti imbula kureva hacha. Lozi inoti mubula kureva muhacha.
  • IsiNdebele vanoti umkhuna; mkhuna kureva hacha. Chewa vanoti maula (n. Parinari curatellifolia, parinari mobola) kureva hacha.
  • Kwamashi vanoti mutha (n. Parinari curatellifolia) kureva muhacha.
  • Setswana vanoti mmola kureva hacha. Mbukushu vanoti gutha, tha kureva hacha.

Zvakakochekerwa chinjirudza