Mukokeri Mukuru

(runangakatsva kubva kuMukokeri Muzvinabamba)

Mukokeri Mukuru (Managing Director or Chief Executive Officer) anenge ari mushandi wesangano uye ari nhengo yeDare reVakokeri aine basa rokutungamira mabasa esangano zuvanezuva. Mukokeri Mukuru anoshanda ari pasi peDare reVakokeri achipanga mazano mudare iri. Kuti muzvinabamba zvinoreva kuti ndiye mukuru anotungamira mabasa anoitwa nemapazi ose anounza hupfumi kusangano kana kambani.

Mukokeri webamba (Executive Director) anenge ari mukokeri anoshandira sangano riri kutaurwa nezvaro zuva-nezuva, ari anoona kuti zvirongwa zvedare revakokeri, zviri kutevedzerwa nokuwaniswa midziyo, mari nehumhizha hunodikwana mubazi raanotungamira.

Mukokeri weMubisho (Chief Operating Officer or Operations Director) anenge ari mukokeri uye mushandi weSangano anotungamira mabasa esangano mazuva ose. Mukokeri weMubisho anoshanda ari pasi peMukokeri Mukuru.

Mukokeri wezveMari kana kuti Mukokeri wezveMuduso (Finance Director or Chief Financial Officer)

Mukokeri wezveVashandi (Human Resources Director)

Mukokeri wezveKutengeserana (Marketing Director)

Mukokeri wekunze (Non-executive director or outside director) anenge ari nhengo yeDare reVakokeri asi asiri mukokeri mushandi.