Mukwati izita remhuri rinowanikwa muZimbabwe.

  • Vanhu vane zita iri: Chenai Mukwati; Blessing Mukwati; Anesu Mukwati; Shongedzai Mukwati.
  • Kukwata zvinoreva kudedera nokutya.
  • Kukwata zvinoreva tsika yekudya mudzimba dzevamwe usina kukokwa.
  • Mukwati raive gamba rakarwa Hondo yeChimurenga yeKutanga.

Mitauro yeBantu chinjirudza

Pano panyorwa mazwi ari pedyo nezita iri kune mimwe mitauro yeChiBantu, asi zvinoreva zita zvigona kusiyana zvachose nemazwi ari pasi aya. Pane tarisiro yekuti mitauro yeAfrika inotodzana mazwi.

  • VaChewa vanoti mkwati (bridegroom) rinotaurwa muwani. Mamwe Mazwi: kwatiwa (to marry; used of women only) kureva kuroorwa.
  • VaTonga neChewa vanoti kwata (to marry; to copulate with) zvichireva kuroora. Mamwe Mazwi: mkwato (marriage) rinotaurwa mururimi rweChewa.
  • Barotse vanoti likwata kana makwata (habit of marrying frequently). Kimbundu inoti kukuata (v. take, catch, have, hold).