Muripo
Muripo imari kana chimwe chinoperekwa nemunhu anenge akapara mhosva achibvuma kutadza kwake. Imwe nguva muripo unoenzaniswa nechinhu chinenge cheparadzwa sokuti ane mombe yaurayiwa anokwanisa kuripwa neimwe mombe. Asi imwe nguva hazvigone kuripa nechaparadzwa, sokuti papondwa munhu, hapana angati munhuane mutengo wakadini. Asi kuVaShona kunemuripo waitemwa pane nyaya dzakaita sokupondwa, kumitisa musikana wausina kuroora zvichingodaro.
Maitauro yeBantu
chinjirudza- VaYao vanoti kulipa (to pay, to settle a lawsuit by payment) kureva kuripa. Zigula vanoti kulipa (pay to; paying to) kureva kubhadhara.
- Mang'anja vanoti chiripo (a ransom payment, a large payment) kureva muripo. VaVenda vanoti murifho (n. retribution).
- VaGungu vanoti kuliha (pay a fine) vachireva kuripa. Mamwe mazwi: kulihisya vachireva kuripisa. Vanoisa h patinoisa p.
- VaLenje vanoti tambika (pay) vachireva kubhadhara. VaTonga vanoti kulungisya (v. impose a fine) vachireva kuripisa.
- VaMaconde vanoti shilipilo (n. payment) kureva muripo. Bravanese vanoti kulipa (v. repaying).