Mushonga Unodzivirira weBCG

Template:Drugbox Bacillus Calmette–Guérin (BCG) mushonga unodzivirira unonyanyoshandisirwa rurindi (TB).[1] Munyika dzinowanzova nerurindi, zvinokurudzirwa kuti vacheche vane utano hwakanaka vapiwe mushonga wacho nekukurumidza zvichitevera kuzvarwa kwavo.[1] Vacheche vane HIV/AIDS havafaniri kupiwa mushonga uyu.[2] Munharaunda musingawanzovi nerurindi, vana vane mukana wakakura wekubatira chirwere chacho ndivo chete vanopiwa mushonga wekudzivirira uye kana zvafungirwa kuti vane rurindi, vanobva vaongororwa vorapiwa. Vanhu vakuru vasina rurindi uye vasina kumbobvira vapiwa mushonga wekudzivirira, asi vachigara vari pangozi yekutapurirwa rurindi rusisarapiki nemishonga, vanogonawo kupiwa mushonga wekudzivira.[1]

Kudzivirirwa kunosiyana-siyana chaizvo uye kunogara kwemakore ari pakati pegumi nemakumi maviri.[1] Kana vari vana kunodzivirira vanenge 20% pakutapurirwa utachiona uye pane vaya vanotapurirwa, kunodzivirira hafu yavo pakuzova nechirwere chacho.[3] Mushonga wekudzivirira unoitwa zvekupinzwa muganda nejekiseni.[1] Umboo hunoratidza kuti hapazodiwi kudzokorora kupiwa mushonga wacho.[1] Mushonga uyu unogonawo kushandiswa pakurapa dzimwe mhando dzekenza yedundira.[4]

Kashoma kuti pave nematambudziko anokonzereswa nemushonga uyu. Kakawanda panenge pabaiwa nejekiseni panotsvuka, panozvimba, uye panorwadza. Panogona kuvawo nekabundu kadiki uye kana papora panogona kusara paine karonda. Kukanganiswa nemushonga uyu kunowanzova kwakawanda uye kwakaipisisa muvaya vane miviri isina simba rekuzvidzivirira pazvirwere. Mushonga uyu une ngozi kana ukashandisirwa vaya vane pamuviri. Pakutanga mushonga wekudzivirira uyu waigadzirwa kubva pabhakiteriya rinonzi Mycobacterium bovis iro rinowanika kakawanda mumhou. Kunyange zvazvo richinge raderedzwa pakuva nesimba asi rinenge riri mhenyu.[1]

Mushonga unodzivirira weBCG wakatanga kushandiswa muna 1921.[1] Uripo paMazita Emishonga Inonzi neWorld Health Organization Ndiyo Inokosha, kureva mushonga unonyanyokosha panyaya dzekutarisirwa kweutano.[5] Kutangira mugore ra2014, mumwe chete waiita 0.16 USD.[6] MuUnited States unoita 100 kusvika ku200 USD.[7] Gore negore vana vanoda kuita mamiriyoni 100 vanopiwa mushonga uyu.[1]

  1. 1.0 1.1 1.2 1.3 1.4 1.5 1.6 1.7 1.8 "BCG Vaccine: WHO position paper" (PDF). Weekly epidemiological record. 4 (79): 25-40. Jan 23, 2014
  2. "Revised BCG vaccination guidelines for infants at risk for HIV infection" (PDF). Wkly Epidemiol Rec. 82 (21): 193-196. May 25, 2007. [./Https://en.wikipedia.org/wiki/PubMed#PubMed%20identifier PMID] 17526121.
  3. ^ Roy, A; Eisenhut, M; Harris, RJ; Rodrigues, LC; Sridhar, S; Habermann, S; Snell, L; Mangtani, P; Adetifa, I; Lalvani, A; Abubakar, I (5 August 2014). "Effect of BCG vaccination against Mycobacterium tuberculosis infection in children: systematic review and meta-analysis". BMJ (Clinical research ed.). 349: g4643. PMID 25097193.
  4. Houghton, BB; Chalasani, V; Hayne, D; Grimison, P; Brown, CS; Patel, MI; Davis, ID; Stockler, MR (May 2013). "Intravesical chemotherapy plus bacille Calmette-Guérin in non-muscle invasive bladder cancer: a systematic review with meta-analysis". BJU International. 111 (6): 977–83. [./Https://en.wikipedia.org/wiki/PubMed#PubMed%20identifier PMID] 23253618.
  5. "WHO Model List of EssentialMedicines" (PDF). World Health Organization. October 2013. Retrieved 22 April 2014.
  6. "Vaccine, Bcg". International Drug Price Indicator Guide. Retrieved 6 December 2015.
  7. Hamilton, Richart (2015). Tarascon Pocket Pharmacopoeia 2015 Deluxe Lab-Coat Edition. Jones & Bartlett Learning. p. 312. ISBN 9781284057560