ChiKaranga mutauronyina weChiShona unowanikwa mumatunhu anoti: Masvingo Province neMidlands Province.

Miyenzaniso yeMazwi chinjirudza

Pasi apa pane mienzaniso yemazwi eChiKaranga. Zvakakosha kuonesana kuti ChiKaranga chinokwanisa kusiyana munzvimbo dzakatsaukana. Sokuti ChiKaranga chinotaurwa kwaGutu hachifanane panazvose neChiKaranga chinotaurwa kuMberengwa.

ChiZezuru ChiKaranga
mazwi mahwi
kurwara kugwara
mombe n'ombe
kukwata sedza kutyaka sesadza
chikomana svikomana
rwendo gwendo
kunongedza kutendeka
tsoka shoka
nzou zhou
mazhanje mashuku
chivanze chivazhe
nzira zhira
kuona kuvona
kurohwa kurobwa
uswa vuswa