Mutauro weChiKaranga
ChiKaranga mutauronyina weChiShona unowanikwa mumatunhu anoti: Masvingo Province neMidlands Province.
Miyenzaniso yeMazwi Chinjirudza
Pasi apa pane mienzaniso yemazwi eChiKaranga. Zvakakosha kuonesana kuti ChiKaranga chinokwanisa kusiyana munzvimbo dzakatsaukana. Sokuti ChiKaranga chinotaurwa kwaGutu hachifanane panazvose neChiKaranga chinotaurwa kuMberengwa.
ChiZezuru | ChiKaranga |
---|---|
mazwi | mahwi |
kurwara | kugwara |
mombe | n'ombe |
kukwata sedza | kutyaka sesadza |
chikomana | svikomana |
rwendo | gwendo |
kunongedza | kutendeka |
tsoka | shoka |
nzou | zhou |
mazhanje | mashuku |
chivanze | chivazhe |
nzira | zhira |
kuona | kuvona |
kurohwa | kurobwa |
uswa | vuswa |