Hohwa

(runangakatsva kubva kuNhedzi)

Hohwa (ku Chingezi: mushroom) howa kana bwowa (bwoa futi) chikamu che chahuvhe[1] chinenge muchero wedzinde. Kusiyana ne madzinde, howa hayishandise chiedza kuti ugadzire simba yekushandisa. Dzimwe howa dzinokwaniswa kuryika (kudyika), uye dzinoshandiswa kubika munyika dzakasiyana, asi dzimwe howa dzine hwanga, uye dzinogona kuuraya vanhu (kana kuvarwarisa) kana dzikaryiwa. Vanhu vanotsvaka howa dzekurya dzinonzi mycophagists, kuChingezi zvichireva kuti "varyi vehowe" (vadyi vehowa), asi iko kutsvaka kwehowa kwacho kunonzi "mushrooming" (kuhowarira?). Howa dzinobatsira nehutano hwepfupa uye dzakanaka kuvanhu vanechirerwe chechokera (diabetic).[2]

Howa iri tokisiki Amanita muscaria, inozivikanwa se "fly agaric" kuChingezi.
Hupapango mus sainzi
Muvuso: Chahuvhe[1] (fungi)
Faramu: (Basidiomycota)

Zita chinjirudza

Howa dzine mazita akasyina nekuda kwekusiyana kwemitauro nyina, asi vanhu vanoziva zvirikutaurwa.

  • hohwa; howa; hwowa
  • bwowa; bwoa; bwohwa

Ratidziko chinjirudza

Howa dzinowanikwa mumavara akasiyana siyana.

Pamusoro pezvo, howa dzine dzitsi (stem) ne khepi (cap). Zasi ye khepi dzimwe nguva ine magiri ekubata masiporu (spores) uye dzimwe nguva dzinobata masiporu acho dzega.

Mhando dze hohwa chinjirudza

Mitauro ye Chibantu chinjirudza

Mabviro eruzivo chinjirudza

  1. 1.0 1.1 Vashona, "fungi" Yakatariswa: 28 Nyamavhuvhu 2021
  2. Bisht, Manish Singh (2020-09-03). "7 Mushroom Benefits which Makes you Healthy". Early Natural. Retrieved 2020-09-03