Muchidzidzo chemasvomhu, nhukira imhando yezvinyanye inoreva mwero wekukurisa kwehuwandu hwechinhu chiri kutaurwa nezvacho.

Zvinyanye (Extrema) - iri shoko rinodudzira panogumira hukuru uye huduku hwemupimo uri kutaurwa nezvawo. Sokuti mvura inowanikwa pakati pezvinyanye zve 0-100o Celsius. Zvinyanye izita rapiwa richitora pakutaura kwemazuva ose patinoti "zvanyanya, zvanyanyisa kana kuti zvakanyanya - kuChirungu vachiti extreme or extremely". Kana totarisa humwe hweZvinyanye tinoti chinyanye (extremum, singular)

Nhukira (Maximum) - iri izita rapiwa kududzira panogumira hukuru hwemupimo uri kutaurwa nezvawo. Sokuti muZimbabwe motokari dzinotenderwa Nhukira yemuchacha we 120 km/hr pamigwagwa mikuru. Mukutaura kwemazuva ose nhukira inzvimbo yakakwirira, pamusoro-soro pegomo.

Nhika (Minimum) - iri izita rapiwa kududzira panogumira huduku hwemupimo uri kutaurwa nezvawo. Sokuti hurumende inoronga kutara mari inotambiriswa vashandi ive panhika ye$150 pamwedzig. Pakutaura kwemazuva ose nhika inzvimbo iri pakadzika tichifananidza nenhraunda yenzvimbo iyoyo.

Mwanza (Average) - iri izita rapiwa kudzudzira nhamba inowanikwa kana nhamba dziripo dzahwerengedzwa, dzichizogovaniswa nehuwandu hwenhamba dziripo. Sokuti vana vanopedza Chikoro ChePrimary vari pamwanza wemakore 13 ekuberekwa.

Guwe (Mode) - iri zita rapiwa kududzira nhamba inoonekwa zvizhinji paboka renhamba dziri kutaurwa nezvadzo. Sokuti kana tiine boka (set) renhamba dzinotevera: 3,4,6,7,8,9,10,4,11,2,1,4; tinenge toti nhamba 4 ndiro guwe