Nyika yeRudhende

(runangakatsva kubva kuNyamukumbi)

Nyika yeRudhende (Republic) zvinoreva nyika inotongwa, kwete naMambo kana Ishe, asi nevamiriri vakasarudzwa neruzhinji rwevanhu. Izvi zvoreva kuti simba revamiriri rinobva pakuvhoterwa nevanhu uye rinopfumbira pakuita zvinofadza ruzhinji rwevanhu. Nyika dzine hutongi hwechinyarudhende dzinosanganisira: United States of America, South Africa, India, Botswana, Nigeria, France, zvichingodaro.

Republic of Zimbabwe inokwaninya kuturikirwa kuchinzi Nyika yeRudhende rweZimbabwe kana Nyika yeRuzhinji rweZimbabwe kana Nyika yeMukumbi weZimbabwe.

Mashoko ari pamusoro aya kuedza kuumba mutauro weShona kuti ududze zvinorehwa kuEnglish.

Izwi rokuti republic rakaumbwa kubva kuLatin. Izwi rokuti res rinoreva thing, entity, izwi rokuti publica rinoreva public kana ruzhinji rwevanhu. Saka izwi rokuti republic rinoreva entity of the public. Zvino kuChiShona kwaturikirwa kuchinzi Nyika yeRudhende.

Mamwe Mazwi chinjirudza

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • MaZulu vanoti uwonke (the public; the masses) vachireva ruzhinji rwevanhu. Sokuti Uwonke umenyelwe enkosini kureva ruzhinji rwadaidzwa naShe.
  • VaRwanda vanoti rubanda (public; crowd; the people) vachireva ruzhinji rwevanhu.
  • VaChewa vanoti gulu kana magulu (audience; assembly, troop; a race or family, larger than fuko).
  • MaZulu vanoti imvama kana imvamela (the majority, generality).
  • VaChewa vanoti gulu kana magulu (crowd, company, herd of animals, drove of cattle, pack of wolves).