Nzou - Samanyanga

Mutupo we nzou

Maita nzou Samanyanga maita mhukahuru mutsika panotinhira vanofamba sevanokavira nyimo vakaita hasha vanodzura miti

maita mhukahuru dzese mbwende dzinopatiza masvika vasina hanganwa vakakubata iyewe wedzoro huru unotochiona chete vanorangarira

Maita nzou machengeta sango ivo zhou vanadzo dzisingabhende dzinoti dzikabaya dzino svikakunhongonya mupa murikita pakati nedzakasimba maita madyemhihwa magutsa vana vakuru vomusha Mhuka isina mushishi

Malvern yangu yiyi Vari Manyika Nzou[[