Ra pazviito achishanduka Dza

Chinyorwa chinoongorora mazwi anorepa na ra achizoshanduka kuita dza.

  • Cherechedzai kuumba kwemazwi anotevera:

Kudzokera kuna Dza chinjirudza

Ko takatanga nemazwi ana dza tinokwanisa kuumba mazwi ana ra kumagumo kwawo?

  • Fananidzai izwi rokuti kuyedza nerinoti kuyera? Apa tichirevera kuyedza kwekunze.
  • Ko izwi rokuti chiedza ringatodzana nemazwi anoti chiyera kana kuyera?
  • Izwi rokuti mwedzi ringatodzana nemazwi anoti muyera kana kuyera?
  • Ko izwi rokuti chikombedzi nemazwi anoti kukombera kana kugombera?
  • Izwi rokuti dedza ringatodzana nerinoti kudera?
  • Ko izwi rokuti badza ringatodzana nemazwi anoti kupara?
  • Izwi rokuti chara ringatodzana nerinoti kuaza?

Zvinorwa Zvakadai chinjirudza

Mitauro yeBantu chinjirudza

Cherechedzai mazwi eChiBantu ari pasi ayo.

  • Mang'anja vanoti kuera (to be white or light) kureva kuchena. Mamwe mazwi: vanoti kuyera (of whiteness, cleanliness, brightness, clearness, purity, holiness) kureva huchena.
  • VaNyakyusa vanoti unkasi umwelu kureva mukadzi muchena. VaTakwane vanoti weela (v. be white). Yoweela (adj. white).
  • VaGwere vanoti kulola ( v. seek, search, look for) vachireva kutsvaga. VaGiryama vanoti ku-lola ( v. behold) vachireva kutarisa.