Rusarura (Nge. discrimination, -ism) zvinoreva kubata anhu vaviri nemutowo wakasiyana asi vachifanirwa kubatwa zvakafanana. Rusarura chiito chekuita misiyano isina chikonzero pakati pevanhu zvichienderana nemapoka, ravuro, kana mimwe mipango avari, kana kuti avanofungidzirwa kuti ndeawo. Vanhu vanogona kusarurwa zvichienderana ne rudzirweganda, ubare, zera, chitendero, hurema kana chiubonde (sexuality), pamwe nemamwe mapango. Rusarura rwunonyanya kuitika kana vanhu kana wo mapoka achibatwa zvisina kunaka nenzira yakaipisisa kupfuura mabatirwo anoitwa vamwe vanhu, pamusana pounhengo hwavo chaihwo kana hunoonekwa mune mamwe mapoka kana mapoka evanhu. Kunosanganisira kurambidza nhengo dzeboka rimwe mukana kana kuti vubundutso (privilege) zvinowanikwa kunhengo dzerimwe boka.

Mhando dze Rusarura chinjirudza

Zera chinjirudza

Tarisai peji re Rusarurazera ne Rusarurarukweguro

Rusarurazera (ageism) kana kusarura zera rusaruro uye rufungidzira (stereotyping) rwunoenderana nezera remumwe munhu. Iseti rezvinotendwa, tsika, uye hunhu hwaishandiswa kururamisa rusarura kana ruzviisazasi (subordination) zvichienderana nezera remunhu. Rusarurazera rwunowanzonangana vakwegura (chembere ne vatana), kana pwere ne vana.

MuZimbabwe rusarurazera ruzhinji rwunowanikwa pavana, nherera zhinji hadzina dzinovachengetedza kunyagwe hama dzavo dzinovabata zvakashata. Mutsika dzevanhu futi, vana vanowanzo iswa pasi, havateererwi, kana kubvunzwa zvavanonzwa kana zvavanoda nekuti vanonzi havazivi, pamusoro pezvo vamwe vanhu vechitendo chinozvibvumidza vanorooresa twana twudiki uye iyo hurumende haite chinhu nezvazvo. Vanhu ndivo vanozama kupindira vachiranga vakuru vanodaro, ndokunge zvazivikwa nekuti vamwe vanoramba vakanyarara kuitira mhuri dzavo dzirase chiremerwa.

Chembere ne vatana vanowanzo tarisirwa zvakanaka muZimbabwe nekuti vanonzi vakuru uye vakuru womusha, vanochengetedzwa uye pfungwa dzavo dzinoremekedzwa wo. Zvakanaka kuzivawo kuti variko vanobata vakwegura nehutsinye sezvinoitwa vana, asi paruzhinji vanhu vakuru vano wanzo remekedzwa nekupihwa chiremera.

Khasti (caste) chinjirudza

Imhando ye rusarura, unonyanya kuwanikwa kuIndia.

Hurema chinjirudza

Rusaruraurema, rusarura rwe vanhu vakaremara vanhu vachifarira vaye vasina uremara hwunonzi ableism kuChingezi. Rusarura rwevakaremara, urwo rwunotora vanhu vasina kuremara sechiyero che'mararamiro akajairika', runoguma nenzvimbo nesevhisi dzeveruzhinji nedzakavanzika, nzvimbo dzedzidzo, nerubatsiro rwekugarisana rwakavakwa kuitira kushandira vanhu 'varistandadhi', zvichisiya avo vane hurema hwakasiyana-siyana. Ongororo dzakaitwa dzakaratidza kuti vakaremara havangodi chete basa kuti vawane chouviri asi kuti vanodawo basa kuti varambe vaine utano hwepfungwa uye kugara kwavo zvakanaka. Basa rinozadzisa chiverengero chezvidikanwi zvakakosha zvemunhu senge chinangwa chakaungana, kuonana nevanhu, chimiro, uye chiitiko. Munhu akaremara anowanzoonekwa ari oga uye kushanda ndeimwe nzira yekuderedza kuparadzaniswa kwake.

Mutauro chinjirudza

Rusarurarurimi kana Rusaruramutauro (unonziwo kuChingezi glottophobia, linguicism uye languagism) kubata kusina kunaka kunobva pakushandiswa kwemutauro uye hunhu hwekutaura, kusanganisira mutauro wekutanga, matauriro, kunzwisisikwa kwemashoko arikutaurwa (kana mutauri achishandisa mazwi akaoma uye akasiyana), umodhari (modality), uye sindiksi (syntax). Semuenzaniso, muZimbabwe madzinza makuru Vashona ne Vandevele pakati pawo vanowanzo ita zverusarura, senge kuti Vandevele vanobhohwekana nematauriro anoita Mashona Chindevele, kutadza kutaura mamwe mazwi uye Mashona anozviita wo, asi chakanaka ndechokuti pane vaye vanobatsirana. Kana Mashona akaenda kuVulawayo vasingagoni Chindevele vanosangana nevanhu vakashata vanowadzikisira nekuti havagoni Chindevele chacho, izvo zvinoitwa wo kuMandevele vakaenda wo kuMashonaland vanosangana wo nevanhu vanowadzikisira futi. Hunhu uhwu huzere kwese kwese, Maezhiya, kana Maindiya futi vanosangana nevanhu vanoseka matauriro awo, kana kuvatevedza vachiwatsvinyira.

Zita chinjirudza

Rusarurazita rwunosanganisa kusekwa nekuda kwezita rako, asi dzimwe nguva vanhu vanopinda mumunyama nekupfidziswa nekuda kwezita rawo, nekuti kudzimwe nyika kuwana mabasa kunovhiringidzwa nekuda kwezita remunhu. KuAmerika vanhu vatema vanorambirwa mabasa dzimwe nguva pakuonekwa kwemazita avo, mazita echirungu achisarudzwa pamusor peavo. Vaamerikani vatema vanemazita awo akaita senge Rasheed, Hakim, Tyrone, Shanikwa, Shanice, Aliyah nemamweo, asi Varungu pavanoona mazita aya pamapepa ebasa kana pavanomanzwa vanoziva kuti munhu mutema vomurambira basa (nguva zhinji). Izvi zvirikoo kudzimwe nyika kana pakati pevanhu vanoita zverusaruradzinza (tribalism), vakanzwa zita remunhu rerimwe dzinza vanogona kuramba kushanda nemunhu wacho, kana kumuseka uye kumuitira hutsinye. MuAfurika zvirikowo, kunyangwe kwedu kuZimbabwe, muenzaniso ndewekuti mazita akaita senge Nhamodzenyika (mwana waMugabe), kana Njeredzanhasi, uye wo mazita echiZimbabwe eChirungu senge Hardlife, Trouble, Guilty, Loveless nemamwe wo.[1] Zvakanaka wo kurangarira kuti iyi itsika yedu, kupa mazita anotishandira kwete etsika dzechiRungu, mazita kunyangwe hawo asiri anofarirwa ne chero munhu hatifanhiri kuseka vamwe kana kuvatambudza nekuda kwazvo, nekuti tese tinechinhu chinosekwa nevamwe.

Udhidhizha chinjirudza

Udhidhizha (nationality) Rusarura pamusana penyika inowanzobatanidzwa mumitemo yebasa. Iyo dzimwe nguva inonzi yakasungwa pamwechete nerusarura ganda kunyangwe ichigona kuparadzaniswa. Inogona kusiyana kubva kumitemo inomisa kuramba kuhaya zvichienderana nenyika, kubvunza mibvunzo ine chekuita nekwakabva, kusvika kurambidzwa kupfurwa, kumanikidzwa kuenda pamudyandigere, muripo uye mubhadharo, zvichingodaro, zvichibva parudzi. MuAfurika zviriko zvokuti vanhu vanobatwa zvakashata kana zvisina raramo nekuda kweUdhidhizha wavo (nyika yavanobva), senge vanhu vekuMozambiki kana Zambia muZimbabwe, uye Vazimbabweni vanobatwa zvakaipa wo kana vari kudzimwe nyika senge Afurika Chamhembe. Zimbabwe ne Afurika Chamhembe ine hukama hwakaita seveMehiko ne Amerika, Vaamerikani vanoona Vamehiko sevanovabira mabasa uye sembavha uye vanhu varipazasi, izvi zvinoitwa neVanaMuzansi (vanu vekuAfurika Chamhembe) havafarire Vazimbabweni pakazhinji.

Chikamu chimwe chinjirudza

Zvinogona kusanganisa futi kubatsira nyika dzinoonekwa sedzakakosha dzimwe dzisingakasike kubatsirwa kana kuti dzimwe nyika dzinogona kuenda nguva yakareba dzichitambura dzimwe dzotanga kutambura dzobatsirwa ipapo. Enzaniso ndeiyo ye zvirikuitika nyamushi neYukureniya, pakutanga pehondo yawo marudzi ose achiRungu akachema chema nenyika vachiti Vayukureniya vabatsirwe asi pakaitika hondo dzeYemeni, Palastini kana wo pakufa peVazimbabwe ne Vanaijeriya hapana akapindira kana kutaura nezvazvo.

Zvimwe zvinyorwa chinjirudza

Kurerutsa Mutauro chinjirudza

  • Rusarura kupa zviuya kune umwe uchipa zvivi kune mumwe asi vachifanirwa kupiwa zvakafanana.
  • Rusaruraganda (racism).
  • chiubonde - ishoko ririkushandiswa kuturikirwa chinonzi sexuality.
  • vubundutso - ririkushandiswa kureva privilege, shoko iri ririkubva pashoko rokuti 'bundutso"

Mitauro ye Chibhantu chinjirudza

Mabviro eruzivo chinjirudza

  1. https://www.herald.co.zw/zimbabwean-english-names-make-diasporans-laughing-stock/