Rwizi Odzi

Rwizi Odzi runodira muna Save uyo anoyerera akananga kumabvazuva kweZimbabwe. Odzi anonobata Save paNyanyadzi. Osborne Dam rinochingiridza mvura inoyerera muna Odzi.

Chikotero cheRwizi Save, Rwizi Odzi ruri pakati nechekumusoro

Rwizi Odzani rukoto runoyerera rwakananga kumadokero ruchinobata Odzi, pedyo nePenhalonga, kuri kumusoro kweguta reMutare. Madhamu anoti Odzani neSmallbridge anochingiridza mvura yeRwizi Odzani uye anowanisa mvura kuguta reMutare. Dhamu reOdzani rakavakwa mugore ra1967, rikaunganidza mvura yeLake Alexander.

Mitauro yeBantuEdit

  • VaBukusu vanoti khúú.osya (v. quench thirst, refresh, calm down, cool down, comfort, relieve or sooth pain) kureva kupedza nyota kana kupodza.
  • VaBukusu vanoti síí.olu (n. light thing, smooth thing, tender thing, cool thing). VaBukusu vanoti khúú.ola (v. rest, have a holiday, retire, be meek).
  • Kinande vanoti eriholana (v. calm down). Kinande vanoti obuholo (n. peace, tranquility, calm) kureva rugare.