Sangano reKurima neChokudya

Sangano reKurima neChokudya (SKC) kana kuti (Food and Agriculture Organisation - FAO) ibazi reMubatanidzwa weNyika Pasirose riri sangano rakadandiranyika richiita mabasa ane chinangwa chokurwisa nzara Pasirose. Sangano iri rinoshandira nyika dzakabudirira pamwe nenyika dzichiri kubudirira. Sangano iri rinobata risina kwarakarerekera richisanganisa nyika dzose pahurukuro dzezvibvumirano nokurangana mirawo ine chokuita nekurima uye kuwanikwa kwechokudya. SKC-FAO inopanga mazano ehunyanzvi hwekurima ichibatsira nyika dzichiri kubudirira kuti dzivandudze mabasa ekurima, ekupfuya miti nekuchengeta hove. Mugore 2008 SKC-FAO yakanga ine nhengo dzinokwana 191.