Maita Manhize Maita Shava Vari Manhize, Vari Chikapakapa, Vari Gorioto, Vari Dombe, Vari Chinyanya Vari Mutirikati Vari Mabweadziva Shava nhuka Mhofu inofura tsangadzi yarwizi Zambezi Mahombekombe ezambuko kariva

Mazuru kuwanda, mazhinji ndeane tsine


Maita Musimuvi ndomuuya VekwaMatizambwashava Vakaramba vakadzi vachida imbwa Vadzimba vahombarume Kusaseva nemuto hutera hokutya marimuka

Vanasikana vachinzi vaMushava Kana vofamba votomuka Vasingameri mhezi Vanomera dzekuroyiwa Vadyi vemupunga Hekani Nhuka Shava yangu yiyi