Shoko rokuti shwashwa (cartilage) rinoreva nhengo inowanikwa panobatana mapfupa maviri kanzhinji ine ruvara ruchena, isina hukukutu hwemapfupa asi zvakare isina kupfava senyama. Shwashwa rinobandika zviri nyore pane bvupa uye rinomedzeka zviri nyore. Nhengo iyi inobatsira kuti panofamba mapfupa atsvedzane zviri nyore pasina kukuzvuka kana kukuruunda.