Soromoni (Chihebheru: שְׁלֹמֹה, Šəlōmō), anonziwo Jedhidhiya (יְדִידְיָהּ, Yǝḏīḏǝyāh), akanga ari, zvichienderana neBhaibheri rechiHebheru uye Testamende Yekare ye Chikristu, mupfumi mukuru chaizvo uye mutongi aive nenjere we Mubatanidzwa weUmambo hwe Isiraeri waakateera baba Dhavhidhi (kana Dhawidhi) pakutonga. Mazuva ekutonga kwaSoromoni angangoita 970–931 BCE, anowanzo kupihwa achienderana nemazuva ekutonga kwaDhavidhi. Anotsanangurwa samambo weMubatanidzwa weUtongwa, iyo yakaparadzana ichipinda muUmambo hwekumaodzanymeba eIsiraeri uye Umambo hwekuchamhembe kweYehudha (kana Judha) nguva pfupi afa. Pashure pokuparadzana kwacho, vazukuru vake vedzinza ravo vakatonga Yehudha chete.

Zita chinjirudza

zita rake rokuti Jedhidhiya (Jedidiah) rinoreva kuti mudiwa wa Mwari, kureva Adiwanashe.

Zita rokuti Soromoni rinoreva kuti Rugare kana Shamwari yaMwari.