Tsvimborume

(runangakatsva kubva kuSvimborume)

Tsvimborume kana svimborume : izwi rinoreva murume anenge asina mukadzi

  • Pfunda (bachelor) kureva murume ave zera rokuroora asi asati aroora.
  • Tsvimborume hora (old bachelor; senior bachelor) kureva murume akura zvakanyanya asati aroora.

Tsumo chinjirudza

  • Pfunda chenga urarami, hama dzife ugogara nhaka. A bachelor should seek a long life; when relatives die he will inherit (a wife).
  • Madanha etsvimborume, kudya yawarira. It is a bachelor's longing to eat after preparing his sleeping place.
  • Mwoyochena wei, tsvimborume kubvisa mwana wemvana madzihwa?
  • Tsvimborume kutenga duri kuona mashoko kunaka. A bachelor is buying a mortar (because) he is doing well in his love affairs.
  • Inhamo zvayo, tsvimborume kuveza duri seine mukadzi.
  • Tsvimborume haina mugoni inotuka waipa masese.
  • Tsvimborume kutandara nemvana mwoyo uri kumhandara.

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • VaLenje vanoti mushike (Widow; widower) kureva munhu akafirwa nemukadzi kana murume wake.
  • BaKalanga vanoti buhwola (position of seniority; adulthood) vachireva husharukwa hwemunhu.
  • BaKalanga vanoti hola (elder, grown-up, senior) vachireva munhu musharukwa.