Thomas Mapfumo (Akazvarwa 3, Chikunguru 1945)[1] muimbi wemuZimbabwe anoimba musambo wenziyo unonzi Chimurenga. Anozivikanwa mune zvimwe zvikwata nezita rekuti ‘ The Lion Of Zimbabwe’ , kumwewo, anorehwa achinzi VaMukanya. Mapfumo ndiye akatanga zvekuimba nziyo dzeChimurenga muZimbabwe, iye nechikwata chake chevaimbi ‘The Black People Sound’ . Mapfumo akambosungwa nehurumende yeZimbabwe ichirikunzi Rhodesia, akazopesana zve nehurumende yaVaMugabe vachirikutonga ZANU PF. Zvadaro, Mapfumo akafunga mhiri kwemakungwa, akanogara kuUnited States kwemakore makumi maviri, ndikokuzodzoka muna Kubvumbi gore ra2018.

Nhoroondo Youpenyu

chinjirudza

Mapfumo akazvarwa mugore ra1945 kuMarondera, Mashonaland East, mudhuze neHarare. Asi hazvo, mazuva iwayo, yainzi Marandellas, Zimbabwe ichirikutongwa neGreat Britain nezita reSouthern Rhodesia. Thomas Mapfumo akakurira kumusha, akazotama nemhuri yake mugore ra1955, aine makore makumi, kuzogara kuMbare, nharaunda yemuHarare inozivikanwa nezvakawanda-wanda.Uku ndikokwaaka dzidza zvenhapitapi, kunyanya mishandiso yengoma nembira munziyo. Mbira midziyo inodiwa nevakawanda vekuZimbabwe.

Nziyo dzaMapfumo

chinjirudza

Kurerurtsa Mutauro

chinjirudza
  • Kuyaura (to seek help; be in need)

Mitauro yeBantu

chinjirudza
  • Mang'anja vanoti kutantalika (stretched across, lie across, stretching form one side to the other). Mamwe mazwi: mtanto (a tree laid across a stream as a bridge).
  • Mang'anja vanoti kutanta (to cross along upon anything stretched across) kureva kuyambuka uchishandisa chinhu chakatandarika mhiri nemhiri.
  • Luwanga vanoti okhwiyaula (v. separate oneself). Mamwe mazwi: omwaukho (n. separation; partition; sect). Omwaule (n. chosen one; one elected, ordained, set aside).
  1. "Archive copy". Archived from the original on 2017-03-17. Retrieved 2022-02-03.