Uhindu kana Chihindu, chinamato chechiIndia kana kuti dharma, urongrwa wechinamato kana we universe kana mararamirwo e hupenyu unotendwa nevateveri. Sechinamato, uri panzvimbo yechitatu sechinamato chikurusa pasirose, ine vatevera vanopfuura 1.2–1.35 bhiriyoni, kana 15–16% yehuwandu hwevanhu pasirose, vatendi vanonzi Vahindu. Shoko rokuti Hindu iekisonimu, uye Uhindu ndiwo unonzi chinamato chezera rekarekare pasirose, vatendi vayo vachidana vachiti Sanātana Dharma (Chisaniskriti: सनातन धर्म, kureva. ''Dharma ye Zvachose"), chishandiswo chanhasi, chinodudzira zano rokuti ruvambo rwayo rwakatanga kure nenhoroondo ye vanhu, sezvinoratidzwa mumagwaro eChihindu. Rimwe zita nderokuti Vaidika dharma, kureva kuti dharma rinehukama ne Vheda.

Chiratidzo che Om ye Vahindu.

Ringai zve: chinjirudza