Open main menu

Izwi rokuti Unenamuviri riri kushandiswa pachinyorwa chino kuturikira chinonzi physiology kuEnglish. Unenamuviri chidzidzo chakanangana nekududzira mashandiro akarungama muzvinhu zvipenyu. Apa chinangwa ndechekuziva kuti mhuka kana dzinde rine hutano hwakanaka rinofanirwa kunge richishanda sei. Chidzidzo ichi chiri pasi pebazi reronzamhenyu. Chinowongorora nokucherechedza: muviri; nhengo dzemuviri; madandira enhengo; zvizinga uye mishonga-mhenyu irimo mumiviri, zvose izvi zvichiita mibisho nemishonga uye yemabasa makukutu anoitwa nemuviri. Chidzidzo ichi chine zvikamu zvinoti: Unenamuviri remhuka; Unenamuviri wemadzinde; Unenamuviri wemado; Unenamuviri wetupukanana; Unenamuviri webhakitiriya; Unenamuviri wevhairasi.

Kupiwa kweZitaEdit

  • Physiology - The biological study of the functions of living organisms and their parts.
  • Chivakashure physio- chinodudzwa kunzi of or relating to nature or natural functions.

Mazwi eBantuEdit

  • VaSwahili vanoti unenaji, uneni (sing. 1. power of speech, speaking. 2. fluency, eloquence. 3. turn of speech, manner of speaking).
  • VaSwahili vanoti neno, maneno (word, expression, utterance; 2. pl., rare language, dialect. 3. pi. discussion, debate. 4. statement, assertion. 5. important matter, affair, matter for concern).
  • VaKongo vanoti ta kana to (n. the body, trunk, part or portion of the body, a limb, member, joint of meat) kureva muviri kana mutezo wemuviri.
  • VaHerero vanoti uta (create, begin, found, originate) kureva kusika kana kuvamba.
  • Vatauri veHerero vanoti otyi-utua kana otyi-tyitua (n. creature) kureva chisikwa.
  • Vatauri veHerero vanoti oku-riuta (n. creature) kureva chivaru.
  • Mururimi rweSwahili vanoti woto (growth, development; vegetation).

Mamwe MazwiEdit