Yambiro (warning in English) zvinoreva mashoko anotaurwa nechinangwa chokuudza munhu kuti achenjerere njodzi iripo zvino pane zvaari kuita kana kuti njodzi iri mberi. Yambiro inopiwa pazvinhu zvakasiyana zvinosanganisira: pamugwagwa, doro, mushonga, chokudya, basa riri kubatwa zvichingodaro.

Mamwe Mazwi chinjirudza

Tsika chinjirudza

  • Akuruma nzeve ndewako.
  • Mazuvano vanotengesa fodya vanopa yambiro inoti, Kuputa fodya kungango kanganisa hutano.
  • Vanotengesa doro vanopawo yambiro yokuti: "Musatyaire muchovha kana kushanda pamichina panguva yokunge mambonwa doro

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • VaTonga vanoti ambila (to tell someone; feedback) kureva kutaurira. VaKaonde vanoti kwamba (to speak) kureva kutaura. VaGanda vanoti kigambo (n. word).
  • VaChewa vanoti kuambira (admonition) kureva kuyambira. VaDigo vanoti ambira (to tell something to somebody) kureva kuyambira.
  • VaLenje vanoti ambana (1. greet each other; 2. salute each other), kukwazisana. Mamwe mazwi: kuambana (converse, gossip, communicate, salute, greet).
  • VaLenje vanoti kuamba (speech, utterance; expression) kureva kutaura. Mamwe mazwi: chambo, shambo kana mwambo (mode of speaking; expression) kureva matauriro.
  • VaSwahili vanoti ambia (1. speak to someone; inform, tell, relate). VaBukusu vanoti khuukaambila (advise, give instructions, command,warn) kureva kuyambira.