Yunivhesiti yeOslo (nechiNorwegian: Universitetet i Oslo) yakavambwa kare yakakura zvikuru ine fundo yepamusoro-soro kupinda mamwe mayunivhesiti muNorway. Yakavakwa muOslo guta guru renyika yeNorway. Kusvika mugore ra1939 yakapihwa zita rekuti Royal Frederick University (nechiNorwegian: Det Kongelige Frederiks Universitet).

Muyunivhesiti umu mungangosvika 27,700 vadzidzi nevashandi vanosvika 6,000. Muzvidzidzo zvayo zvinosanganisira zvidzidzo zvaMwari (theology), zvemitemo, zvekurapa, unhu, masvomhu, nezviwanikwa zvine ruzivo rakadzama (natural sciences). Yunivhesiti yakavakwa muzvikamu zvakasiyana-siyana muguta reOslo, sekuti Zvidzidzo Zvemutemo zvinoitirwa pakati peguta pachivakwa chekare, uye zvimwe zvidzidzo zvinoitirwa pachivakwa chitsva cheBlindern.

Yunivhesiti yakavambwa mugore ra1811 yaishandisa maitirwo aitwa kuYunivhesiti yeCopenhagen uye panguva iyoyo kuchangovambwa Yunivhesiti yeBerlin.

Yunivhesiti yeOslo ndiko kunowanikwa vakapihwa mibairo yeNobel Prize vashanu.