Zambiya

(runangakatsva kubva kuZambia (chipfeko))

Zambhiya kana Zambiya (loin Cloth) ijira refu rinosungirwa muchiuno nemadzimai vakura zvikurusei kana vari kufamba rwendo kana kushanda pane vanhu vakawanda.

Zambhiya rinoonekwa sechipfeko chinopa chiremera kumuviri wemudzimai, rinovhara magadziko uye richivhara makumbo panoperera rokwe. Izvi zvoreva kuti kana mudzimai achinge akotama makumbo ake pamusoro pezvidya haaoneki.

Zambhiya rinoshandawo kuchengetedza mbatya dzakachena. Mazuano kwave nemamwe machira anonzi Kwasakwasa anoshandawo zvinoita Zambhiya.