Zika fivha
Tsanangudzo uye kumwe kunowanika mashoko
ICD/CIM-10U06.9, code change from 21 December 2015 U06.9, code change from 21 December 2015
ICD/CIM-9066.3 066.3
DiseasesDB36480
MedlinePlus007666
MeSHD000071243

Zika fivha (inozivikanwawo seZika virus disease) kurwara kunokonzerwa neZika vhairasi.[1] Kakawanda hapana zviratidzo zvinovapo, asi kana zvikavapo, kazhinji zvinenge zvisinganyanyi kurwadza uye zvinogona kuda kufanana nezviratidzo zvedengue fivha.[1][2] Zviratidzo zvinogona kusanganisira fivha, kutsvuka maziso, kurwadziwa munobatana mabhonzo, kutemwa nemusoro, uye tumapundu twemaculopapular.[1][3][4] Zviratidzo zvacho zvinowanzogara kwemazuva asingasvike manomwe.[3] Hapana vanozivikanwa kuti vakauraiwa nayo munguva yainotanga kutapukira.[2] Zvakaoneka kuti utachiona hwacho hwakabatana neGuillain–Barré syndrome (GBS).[2]

Zika fivha inonyanya kuparadzirwa munhu paanorumwa neumhutu hwerudzi rweAedes.[3] Inogonawo kuparadzirwa pabonde ichibva kumurume kuenda kuvaanoita zvepabonde navo uye inogona kuparadzirwawo nekuisirwa ropa.[5][3] Utachiona huri mumukadzi ane nhumbu hunogonawo kukanganisa mwana uye zvakaonekwa kuti hunogona kukonzera kubvisika kwepamuviri uye kutadza kukura kweuropi kana kuti microcephaly.[1][6] Zvinozozivikanwa kuti munhu ane chirwere chacho kana aongororwa ropa, weti, kana mate pachitsvagwa Zika vhairasi RNA munhu paanenge achirwara.[1][3]

Kudzivirira kunosanganisira kuderedza kurumwa neumhutu munzvimbo dzinowanika chirwere chacho uye kushandisa zvakanaka makondomu.[3][5] Kuedza kuzvidzivirira kunosanganisira kushandisa mishonga inodzinga zvipembenene, kupfeka hembe dzinonyanya kuvhara muviri wose, mambure eumhutu, uye kuparadza zvimadziva zvemvura isingayerere umo munoberekera umhutu.[1] Hapana mushonga wokudzivirira unoshanda.[3] Vezvoutano vanokurudzira kuti vakadzi vari munzvimbo dzakawirwa nedenda ra2015–16 vafunge nezvokumbomira kuita nhumbu uye kuti vane nhumbu vasashanyire nzvimbo dzacho.[3][7] Nepo pasina mushonga chaiwo wokurapisa, paracetamol (acetaminophen) inogona kubatsira kuderedza marwadzo.[3] Kashoma chaizvo kuti munhu agariswe muchipatara nechirwere ichi.[2]

Vhairasi rinokonzera chirwere ichi rakatanga kunyatsozivikanwa muna 1947.[8] Denda rokutanga kuitika pavanhu uye rakanyorwa nezvaro ndiro rakaitika muna 2007 muFederated States of Micronesia.[3] Kubvira January 2016, chirwere ichi change chichiwanika munharaunda makumi maviri dzeAmericas.[3] Chinonzi chinowanikawo muAfrica, Asia, nemuPacific.[1] Pamusana pedenda rakatangira muBrazil muna 2015, World Health Organization yakazivisa kuti chirwere chacho chakanga chava dambudziko renyika yose, pachirungu Public Health Emergency of International Concern muna February 2016.[9]

Kunowanika mamwe mashoko chinjirudza

  1. 1.0 1.1 1.2 1.3 1.4 1.5 1.6 "Zika virus". World Health Organization. January 2016. Retrieved 3 February 2016. 
  2. 2.0 2.1 2.2 2.3 "Factsheet for health professionals". Zika virus infection. European Centre for Disease Prevention and Control. Retrieved 22 December 2015. 
  3. 3.00 3.01 3.02 3.03 3.04 3.05 3.06 3.07 3.08 3.09 3.10 Chen, Lin H.; Hamer, Davidson H. (2016). "Zika Virus: Rapid Spread in the Western Hemisphere". Annals of Internal Medicine. ISSN 0003-4819. doi:10.7326/M16-0150. Archived from the original on 2016-02-03. Retrieved 2016-08-06. 
  4. Musso, D.; Nilles, E.J.; Cao-Lormeau, V.-M. (2014). "Rapid spread of emerging Zika virus in the Pacific area". Clinical Microbiology and Infection 20 (10): O595–6. PMID 24909208. doi:10.1111/1469-0691.12707. 
  5. 5.0 5.1 Oster, Alexandra M.; Russell, Kate; Stryker, Jo Ellen; Friedman, Allison; Kachur, Rachel E.; Petersen, Emily E.; Jamieson, Denise J.; Cohn, Amanda C. et al. (1 April 2016). "Update: Interim Guidance for Prevention of Sexual Transmission of Zika Virus — United States, 2016". MMWR. Morbidity and Mortality Weekly Report 65 (12): 323–325. PMID 27032078. doi:10.15585/mmwr.mm6512e3. 
  6. Chan, Jasper F.W.; Choi, Garnet K.Y.; Yip, Cyril C.Y. et al. (2016). "Zika fever and congenital Zika syndrome: An unexpected emerging arboviral disease". Journal of Infection. ISSN 0163-4453. PMID 26940504. doi:10.1016/j.jinf.2016.02.011. 
  7. "Brazil warns against pregnancy due to spreading virus". CNN. 24 December 2015. Retrieved 24 December 2015. 
  8. Olson, Ken E.; Haddow, Andrew D.; Schuh, Amy J. et al. (2012). "Genetic Characterization of Zika Virus Strains: Geographic Expansion of the Asian Lineage". PLoS Neglected Tropical Diseases 6 (2): e1477. ISSN 1935-2735. PMC 3289602. PMID 22389730. doi:10.1371/journal.pntd.0001477. 
  9. "WHO Director-General summarizes the outcome of the Emergency Committee regarding clusters of microcephaly and Guillain-Barré syndrome". Media Centre. World Health Organization. 1 February 2016. Retrieved 3 February 2016.