Ino inzvimbo yokunyora pamusoro pako uye zvaunofarira pano paWikipedhiya. Thumani Mabwe murume akaberekwa mudunhu raShe Makoni kwaRusape mugore ra1972. Akadzidza pachikoro chikuru cheUniversity of Zimbabwe apo akaverenga Bachelor of Science . Murume uyu anonyora zvinyorwa aine chinangwa chokuti isu vatema tinge tichiumba mitauro yedu. Chishuvo chake kuti tigone kutaura zviri muzvidzidzo zve: Science, Mathematics, Law, Commerce tichishandisa rurimi rwedu rweChishona.


Parizvino akanyora zvinyorwa zvinoti: Kupimanzvimbo; Nhevedzwa dzeMvura; Mwaka yepaNyika; Hushangazhi; Nyeredzi; Fundoyetsimba; Gumbapamwe reMushana; Mazita eChishona; Rudunhumwe ,nezvimwewo zviri mubumbiro reWikipedia yeShona.


Iye anoti rwendo urwu rungataridzika serwakareba asika, rwendo runotanga nenhanho imwe. Anoda kukurudzira vatema kuti, "tidade nerudzi rwedu, chimiro chedu nedzinza redu" - kuriko kuimba kwakaita muimbi, Oliver Mtukudzi.