Mabefuro

(runangakatsva kubva kuBefuro)

Izwi rokuti mabefuro riri kushandiswa pano kuturikira chinonzi respirations kuEnglish, izvi zvichitaura kufambiswa kweOxygen kubva kumweya wokunze watinofema kupinda munyere dzomuviri, uye kufambiswa kweCarbon Dioxide ichibuditswa mumuviri. Chironzo cheMuviri chinotsetsenura mabefuro chakanangana nekufambiswa rokuti befuro rinotaurawo kuti munhu anokweva mweya wekufema kangani pamineti.

Kupima Mabefuro chinjirudza

Rheti yekubefura kwevanhu inopimwa munhu akazorora kuchiverengwa nhamba yemafemo pamineti imwe - izvi zvinoonekwa nekuverenga kuti chipfuva chinosimuka kangani. Pakupima befuro zvakakosha kuziva kuti munhu ane dambudziko rekufema here. Rheti yebefuro inokwira kana munhu achipisa muviri uye nezvimwe zvirwere.


Rhenji dzeMabefuro chinjirudza

Munhu mukuru anoita mabefuro 12-20 pamineti achinge akazorora. Avhareji yemabefuro inoenderana nezera remunhu yakamira sezvizvi:

  • Pakuzvarwa kusvika mavhiki 6 : 30–40 mabefuro pamineti
  • 6 months: 25–40 mabefuro pamineti
  • Makore 3 : 20–30 mabefuro pamineti
  • Makore 6: 18–2 5 mabefuro pamineti
  • Makore 10 : 17–23 mabefuro pamineti
  • Vakuru: 12-18-mabefuro pamineti
  • Vakwegura ≥ 65 makore ekuzvarwa: 12-28 mabefuro pamineti.