Bona Mugabe mwanasikana waRobert Mugabe waakaberekerwa naGrace Mugabe achiva ndiye dangwe revaviri ava. Bona akapedza zvidzidzo zve dhigiri reAccountancy ku Hong Kong mugore 2011. Musikana uyu akaroorwa nemurume anonzi Simba Chikore uyo anonzi anoshanda semutyairi wendege kunyika iri kudunhu reMiddle East.