Grace Mugabe kana kuti Grace Marufu mukadzi wechipiri waRobert Mugabe; vaviri ava vakachata vose mugore 1996 kuchikoro cheKutama College kwaZvimba.

Grace Mugabe akambenge akaroorwa naStanley Goreraza vari vaviri vakazvara mwanakomana anonzi Russell Goreraza Uyo Stanley Goreraza aimbova mutyairi wendege dzechiuto, akazenge ave kushanda kuhofisi dzemumiriri weZimbabwe kuChina achishanda sejinda rezvekudzivirira nyika.


Zvinonzi mudzimai uyu akanga mabharani waVaMugabe, vaviri ava ndokubva vadanana, vari vose vakazvara vana vaviri vanoti dangwe Bona Mugabe kuchizotevera Robert Mugabe mudoko. Muchato wemakuwerere wakazotevara mugore 1996 mushure mokusaya kwavahosi Sally Hayfron Mugabe; vaMugabe vakatora Joachim Chissano semuperekedzi mukuru. Gotwe ravo Chatunga Mugabe akazvarwa gore 1997.