Chidawanyika izita remhuri rinowanikwa muZimbabwe.

  • Vanhu vane zita iri: Reginald Chidawanyika anova metallurgist. Xavier Chidawanyika.
  • Kutawa kwomwedzi kwenyu nemadhiri enyu akaemeswa mweya wangu unozvinyenya: Your New Moons and your appointed feasts My soul hates. (Isaiah 1:14, Bhaibheri reChiNdau).

Mitauro yeBantu chinjirudza

Pano panyorwa mazwi ari pedyo nezita iri kune mime mitauro yeChiBantu, asi zvinoreva zita zvigona kusiyana zvachose nemazwi ari pasi aya. Chinangwa ndechekutsvaga zvinoreva mazita, zvikurusei kana mazita aya asisiri kutaurwa mumutauro wemazuva ano.

  • VaGiryama vanoti ku-tawa (v. to capture; to loot, to plunder) kureva kubata nhapwa. Mamwe mazwi: mutaωi (n. captor) kureva mutapi.
  • VaGiryama vanoti mutaωwa kana mutaωwi (n. captive in war) kureva nhapwa yehondo. Mamwe mazwi: mataωwa (n. captured things, spoil) kureva zvakatapwa.
  • VaDigo vanoti tawanya (to spread out) vachireva kutambanudza kana kuparadzira.
  • VaSangho vanoti dawa (adj. in front of) vachireva kumberi kwe.