Chinyaridi

(runangakatsva kubva kuChinyavada)

Nyavada (Chirungu: Scorpion) kana chinyaridi uye rize. Zvinyavada zvese zvine neurotoxic uturu uye iyo gland yehuturu iri kumucheto kwemuswe.[1] Zvinyavada zvinoratidza mutsauko mushoma wepamasikirwo azvo, kunyange hazvo zvinyavadarume kazhinji zviri zvitete uye zvine miswe mirefu kupfuura zvinyavadakadzi. Hofori pakati pezvinyavada dzinosanganisira imwe yeruvara tema inonzi:[2]

  • Nyavada Madzishe kana "emperor scorpion" muChirungu (Pandinus imperator),
Nyavada
Mwiri weNyavada

Ndeyerudzi rwemu Afrika rwunowanikwa muGini (Guinea), mwiri yayo yakareba kusvika 18 cm (7 inches) uye inorema magiramu 60 (anopfuura ma2 ounces).[2] Pamusoro pezvo, nyavada yakarebesa paRinopasi rese inonzi:

  • Nyavada yedombo (Hadogenes troglodytes)

Inowanikwa kuSouth Afrika; nyavadakadzi yerudzi iyi yakareba kusvika masentimita makumi maviri nemasere (25cm; 8.3 inches).[2]

Mhando dzeZvinyavada chinjirudza

Zimbabwe chinjirudza

Mu Zimbabwe kunowanikwa:[1]

  • Hormuridae (zvinyavada zvematombo nemiti)
  • Scorpionidae (zvinyava zviri burrowing)
  • Buthidae (zvinyavada zvakakora)

Mhando dze Hormuridae[1] chinjirudza

  • Ma Hadogenes
  • Ma Opistacanthus

Mhando dze Scorpioninadae[1] chinjirudza

  • Opistophthalmus

Mhando dze Buthidae[1] chinjirudza

  • Ma Hottentotta (anowanzo wanikwa)
    • Hottentotta trilineatus (eastern nomad scorpion),
    • Uroplectes flavoviridis (the yellow lesser thick-tail scorpion)
    • U. planimanus (orange lesser-tailed)
    • U. vittatus ( stripped lesser thick-tailed) is found under the bark of trees.
    • U. flavoviridis (ndee ruvara zerere wakatisvibirei, kusvika pahuroro, uye mamwe acho ndee huroro kusvika ruvara rweranjisi nema mara matema. Zvinyavada izvi ndizvo zvinokonzera (pamwe) ma-stings akanyanya.

Parabuthus (ane muswe gobvu) mhando dzine huturu hwakanyanya hwavanoshandisa kukurira mhuka dzavanotapa nekudzinga vadzivisi nekudziruma.[1]

Mhando dze Parabuthus[1] chinjirudza
  • Parabuthus mossambicensis
  • Parabuthus transvaalicus
  • Parabuthus granulatus
  • Parabuthus kuanyamarum

Parabuthus granulatus[1]

  • ndee ruvara mbise
  • Akareba kusvika 75-115 mm
  • Akatetepa
  • Ndiwo manyavhute ane huturu hwakanda kuChamhembe cheAfrkia (asi huwandu hwehuturu hunoburitswa hunenge chikamu chetatu cheicho chinoburitswa ne P. Transvaalicus).

Mifananidzo chinjirudza

Mitauro yeBantu chinjirudza

Mabviro eruzivo chinjirudza

  1. 1.0 1.1 1.2 1.3 1.4 1.5 1.6 1.7 Paddy Pacey et al., 16 Gunyana 2020, 'Scorpions and Scorpionism in Zimbabwe' Yakatariswa: 21 Chikumi 2021
  2. 2.0 2.1 2.2 'Scorpion' Yakatariswa: 22 Chikumi 2021