Chirunga

Chirunga izita rinowanikwa muZimbabwe. Kurunga zvinoreva kukurungira munyu muzvidyo kana kuisa zvimwe zvinonakisa zvidyo.

  • Izwi rokuti kurungama (right, good, correct, upright; trained skilled) rinoreva chakamira zvakanaka; zvitsvene.
  • Izwi rokuti kurunga rinokwanisawo kutaurwa richireva (Get or be in order, fit, correct; be as it should be; be or put straight).
  • Dika kana runga (Sharp stake in game-pit) zvichireva chimuti chakapinza chinoiswa muhunza yekuteya mhuka dzesango. Kana zvawanda zvonzi matika.

Mitauro yeBantuEdit

Pano panyorwa mazwi ari pedyo nezita iri kune mime mitauro yeChiBantu, asi zvinoreva zita zvigona kusiyana zvachose nemazwi ari pasi aya. Chinangwa ndechekutsvaga zvinoreva mazita, zvikurusei kana mazita aya asisiri kutaurwa mumutauro wemazuva ano.

  • MaZulu vanoti lunga (be in order, fit, correct; be as it should be; be straight) kureva kurunga. Kimbundu vanoti rilunga (n. bracelet; bracelet; link). VaGanda vanoti ekirungi (good).
  • MaZulu vanoti lunga (Get prepared, get ready) kureva kugadzirira. Sokuti: Ngilinde ngisalunga (Wait for me, I'm getting ready) kureva ndimirire ndiri kugadzirisa.
  • VaGanda vanoti kilungi kureva chakarungama. VaGungu vanoti birungi (1. goodness, niceness; high quality; 2. beauty, attractiveness; 3. advantage; benefit).
  • VaHerero vanoti runga (p.p. vexed). VaHerero vanoti rungisa (v.t. vex - irritate, provoke; stir up as the passions). VaHerero vanoti runga (enraged; to be in a fury).
  • VaRundi vanoti ikirunga (volcano) kureva chikwatamabwe. VaGulu vanoti chilunga kana kilunga (dominion, kingdom) vachireva hushe.