Shoko rokuti dokwaira (craving) rinoreva kushuvira chinhu kuchiona kana kuva nacho.

Kana munhu achidokwairira nyama anonzi ane nhomba yenyama.

Kana munhu achidokwairira chimwe chidiwa nemuviri wake anonzi ane havi

Kurerutsa Mutauro chinjirudza

  • Kudokwaidza - kukonzera munhu kuti ave nechidokwadokwa.
  • Mwoyo wangu une chidokwadokwa nemwanasikana wangu.

Mamwe Mazwi chinjirudza

  • Kupanga, (crave, desire, yearn, long for) zvichireva kufa nomoyo, kuvinga, kupungaira, kudokwaira; kudakarira ; chidaka-daka, kudongonyoka.
  • Kububa kana kupanga (Crave meat, beer, sensual satisfaction, etc). Imbwa dzabuba nhasi: the dogs had nothing to eat today there being no left-overs).
  • Chipangwa kana zvipangwa pakuwanda (that which you crave, desire) zvichida izwi iri rinokwanisa kuturikira needs yakarehwa naMaslow. Nokumwe kutaura toti mbangwa.
  • Kubongozeka (Crave food).
  • Mapangiro (Strong desire) apa kureva rudiso

Tsumo chinjirudza

  • Nhomba yavarume iri pashori youta. Men's craving for meat is on the (shooting) mark of the bow.

Mitauro yaBantu chinjirudza

  • Kihaya inoti kwenda (desire; to love, to like).
  • Kikongo inoti eketo (n. an intense desire after, a mad craving after, lust, passion, zeal).