Dziva rokushambira zvinoreva dziva rakavakwa nevanhu kuitira kuti vashambire munzvimbo ine mvura yakachena inosukwa tsvina dzichiraswa. Nokumwe kutaura rinonzi duhwino. Duhwino rinodirwa mishonga inouraya hutachiona uye mvura yacho inomiminiwa kubvisa tsvina yakaita magodo.

Maduhwino ane mitemo yawo inosanganisira:

  • Vanhu vanofanira kugeza vasati vapinda muduhwino zvisinei kuti vabva kumba vakageza.
  • Kune mhando dzezvipfeko zvinotenderwa muduhwino. Zvipfeko zvinopfekwa kumba kana munzira hadzitenderwi kanamunhu ave mumvura. Mbatya dzomunduhwino dzakagadzirwa kuti dzisareme kana dzatota uye dzinosonwa nejira risingatakure hutachiowana kunyanya.

Kune vasina kuzvijaira mbatya dzinopfekwa kuduhwino dzinoita kunge munhu asina kusimira zvakakwana, asi kune vazvijaira vanongoti ndizvo zveko.

Mune dzimwe nzvimbo duhwino rinovakirwa gapwa rokuti pwere dzinotambamo dzichichapura mvura. Kuchapura mvura uku ndiro dambe racho, zvichibatsira kuti vasanotamba kunonyudza.