Hawa chiyero chinosandiswa kupima nguva; hawa imwe ine mamineti makumi matanhatu (60m) nemasekondi zviuru zvitatu nemazana matanhatu (3,600s). Hawa rinenge riri chikamu chimwe kubva mumakumi nemana chezuva (1/24). Hawa rinotaridza nevara h kana hr, sokuti mahawa maviri (2h). KuChishona zviri nyore kungoshandisa h sezvizvi 10h kureva mahawa gumi. Vamwe vatauri vanokwanisawo kutaura nokunyora vachiti awa